Nehemiah 3

Vavaki voRusvingo

1Zvino Eriashibhi muprista mukuru navamwe vaprista vakaenda kundoshanda uye vakavakazve Suo raMakwai. Vakarikumikidza vakaisa makonhi panzvimbo yawo, vakarivaka kunosvika paShongwe yeZana, iyo yavakakumikidza, kusvikira paShongwe yaHananeri. 2Varume veJeriko vakavaka chikamu chaiva pedyo, uye Zakuri mwanakomana waImuri akavaka parutivi pavo.

3Suo reHove rakavakwa navanakomana veHasenaya. Vakaisa matanda okuchinjika vakaisa makonhi aro namabhaudhi uye namazariro panzvimbo yawo. 4Meromoti mwanakomana waUria, mwanakomana waHakozi akagadzira chikamu chaitevera. Aimutevera pakugadzira aiva Meshurami mwanakomana waBherekia, mwanakomana waMeshebhezeri, uye aitevera mushure make, Zadhoki mwanakomana waBhaana, akagadzirawo. 5Chikamu chaitevera chakagadzirwa navarume veTekoa, asi vakuru vavo vakangopeta maoko avo vakasashandira Ishe wavo.

6Suo raJeshana rakagadzirwa naJoyadha mwanakomana waPasea naMeshurami mwanakomana waBhesodheya. Vakaisa matanda aro okuchinjika ndokuisa makonhi namabhaudhi namazariro panzvimbo yawo. 7Zvakatevera pakugadzirwa zvakaitwa navarume vaibva kuGibheoni neMizipa, naMeratia weGibheoni uye naJadhoni wokuMeronoti, nzvimbo dzaiva pasi pomubati wemhiri kweYufuratesi. 8Uzieri mwanakomana waHaraya, mumwe wavapfuri vegoridhe, akagadzira chikamu chaitevera; uye Hanania, mumwe wavavhenganisi vezvinonhuhwira, akagadzira chikamu chaitevera ichocho. Vakavandudza Jerusarema kudzamara vasvika parusvingo rwakapamhama. 9Refaya mwanakomana waHuri, mutongi wehafu yerimwe dunhu reJerusarema, akagadzira chikamu chaitevera. 10Pakabatana navo, Jedhaya mwanakomana waHarumafi akagadzira chikamu chakatarisana neimba yake, uye Hatushi mwanakomana waHashabheneya akagadzira chikamu chaitevera. 11Marikiya mwanakomana waHarimu naHashubhi mwanakomana waPahati-Moabhu vakagadzira chimwe chikamu uye neShongwe yeMahovhoni. 12Sharumi mwanakomana waHaroheshi, mutongi wehafu yerimwe dunhu reJerusarema, akagadzira chikamu chaitevera achibatsirwa navanasikana vake.

13Suo roMupata rakagadzirwa naHanuni navagari veZanoa. Vakarivaka patsva ndokuisa makonhi aro namabhaudhi nemazariro esimbi panzvimbo yawo. Vakagadzirawo makubhiti chiuru chimwe
mamita angaita 450
orusvingo kudzamara vasvika paSuo reNdove.

14Marikiya mwanakomana waRekabhi, mutongi wedunhu reBheti Hakeremu, akagadzira Suo reNdove. Akarivaka patsva ndokuisa makonhi aro namabhaudhi namazariro panzvimbo yawo.

15Suo reTsime rakagadzirwa naSharuni mwanakomana waKori-Hoze, mutongi wedunhu reMizipa. Akarivaka patsva ndokuisa denga namakonhi aro namabhaudhi uye akaisa nemazariro panzvimbo yawo. Akagadzirazve rusvingo rweDziva reSiroami, paBindu raMambo kusvikira pamatanho anoburukira kuGuta raDhavhidhi. 16Akamutevera ndiNehemia mwanakomana waAzubhuki mutongi wehafu yedunhu reBheti Zuri, akagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana nemakuva aDhavhidhi kusvikira padziva nokuImba yeMhare.

17VaRevhi vaiva pasi paRehumi mwanakomana waBhani vakamutevera pakugadzira. Parutivi pake, Hashabhia, mutongi wehafu yedunhu reKeira, akaita mabasa okugadzira panzvimbo yedunhu rake. 18Vaimutevera pakugadzira, vanhu venyika yavo vaiva pasi paBhinui mwanakomana waHenadhadhi, mutongi weimwe hafu yeKeira. 19Aimutevera ndiEzeri mwanakomana waJeshua, mutongi weMizipa, akagadzira chimwe chikamu kubva pamukwidza wakatarisana neimba yezvombo zvehondo kusvikira pakona. 20Bharuki mwanakomana waZabhai akamutevera, akagadzira chimwe chikamu nomwoyo wose kubva pakona zvichienda pamusuo weimba yaEriashibhi muprista mukuru. 21Aimutevera, ndiMeromoti mwanakomana waUria, mwanakomana waHakozi, akagadzira chimwe chikamu, kubva pamusuo weimba yaEriashibhi kusvikira painoguma.

22Zvakagadzirwa mumashure make zvakaitwa navaprista vaibva mudunhu rakapoteredza. 23Mumashure mavo, Bhenjamini naHashubhi vakazogadzira mberi kweimba yavo; uye aivatevera, Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akagadzira parutivi peimba yake. 24Aimutevera, Bhinui mwanakomana waHanadhadhi akagadzira chimwe chikamu, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona nokune imwezve kona, 25uye Parari mwanakomana waUzia akashanda pakatarisana nepakona uye napashongwe inobuda ichibva kumuzinda wokumusoro pedyo noruvazhe rwavarindi. Aimutevera, Pedhaya mwanakomana waParoshi 26navashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi vakagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana neSuo reMvura kwakananga kumabvazuva uye napanobudikira neshongwe. 27Vaivatevera, varume veTekoa vakagadzira chimwe chikamu, kubva panobuda shongwe huru kusvikira kurusvingo rweOferi.

28Vaprista vakagadzira pamusoro peSuo raMabhiza, mumwe nomumwe pamberi peimba yake. 29Aivatevera, Zadhoki mwanakomana waImeri akagadzira pakatarisana neimba yake. Aimutevera ndiShemaya mwanakomana waShekania, murindi wokuSuo rokuMabvazuva, ane zvaakagadzira. 30Vaimutevera, Hanania mwanakomana waSheremia naHanuni, mwanakomana wechitanhatu waZarafu, ndivo vakagadzira chimwe chikamu. Aimutevera, Meshurami mwanakomana waBherekia akagadzira pakatarisana nepaaigara. 31Mumashure make Marikiya, mumwe wavapfuri vegoridhe, akagadzira kusvikira kuimba yavashandi vetemberi navatengesi, pakatarisana neSuo Rokuongorora, uye kusvikira paimba iri pamusoro pekona; 32uye pakati peimba iri pamusoro pekona neSuo raMakwai, vapfuri vegoridhe navatengesi ndivo vakapagadzira.

Copyright information for SnaBDSC